Vamwe mai nemwanasikana wavo vasvika pandiri naSamora naNyerere
Vanditarisa vachizvitora mapikicha, mai vati, “Nehanda bho here?”
Mwana akati pwati achiti, “Musoro waNehanda unoda wigi…”
Nhai Samora newe Nyerere, wigi ndiko kusununguka kweAfrica here?
Ndashurwa neverudzi rwangu – kuda kundiisa vhudzi revarungu!
Vati vhudzi rechirungu ndiko kuti runako rwemunhukadzi…
Asi runako rwenyu runakoi rwunoti kamba ramba makwati ako?
Mafa, kana mafarira rusununguko rwevhudzi idzo pfungwa dzakasungwa?
Chihera, MaDhuve, Maposa, Magumbo,
MaSibanda, MaMoyo, Manyoni, aChihoro MaSiziba, MaNgwenya, MaChuma, aMaromo, Shonga newe Soko Mwenewazvo – runako harusi kunze,
Koshesa munhu wemukati,
Koshesa mhuri, nyika, rudo, nduramo, kuzvininipisa, mwoyo murefu,
Koshesa kushanda nesimba, kuvimbika, kubatsira vamwe, kuzvibata
Pfeka hunhu kwete wigi.