Zvakatangira pana Nyamhita, mwanasikana waMutapa
Mazuva avo ohushe waivazadza nemasimba ka
Kusvikira pana Charwe uyo akava neruzivo rukuru
Nehanda nyakasikana, waifamba uri mavari
Uchivaratidza gwara rakanaka rokufamba naro
Eeh iye eeh
Eh he iye eeh
Pavakaenda wakaendawo hapana akazokuziva ka
Pavakaenda wakaendawo hapana akazokuziva ka
Dzangove ngano (dzepfunde)
Mudzimu mukuru dzoka iwe (dzepfunde)
Dzangove ngano (dzepfunde)
Mudzimu mukuru dzoka iwe (dzepfunde)
Raingova izwi rimwe kana mvura yainaya wani (zvirimwa zvokura)
Raingova izwi rimwe kana hondo yaipera ( aaah haaa haaa hondo taikunda)
Raingova izwi rimwe kana mvura yainaya wani (zvirimwa zvokura )
Raingova izwi rimwe kana hondo yaipera (aaah haaa haaa hondo taikunda
Tiripwere dzisina anorairawo
Tiripwere dzisina anorapa
Dzangove ngano (dzepfunde)
Mudzimu mukuru dzokaiwe (dzepfunde)
Dzangove ngano (dzepfunde)
Mudzimu mukuru dzoka iwe (dzepfunde)
Mudzimu mukuru dzokaiwe….
Mudzimu mukuru dzokaiwe
Tiripwere dzisina anorairawo
Tiripwere dzisina anorapa


